Proverbs 24

1Usachiva vanhu vakaipa,
usashuva kufamba navo;
2nokuti mwoyo yavo inoronga kuita nechisimba,
uye miromo yavo inotaura pamusoro pokuita mhirizhonga.
3Nouchenjeri imba inovakwa,
uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa;
4kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu
zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha.

5Munhu akachenjera ane simba guru,
uye munhu ane zivo anowedzera simba;
6nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa,
uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji.

7Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi;
padare repasuo reguta harina chokutaura.

8Uyo anoronga kuita zvakaipa
achazivikanwa senhubu.
9Mufungo woupenzi chivi,
uye vanhu vanonyangadzwa nomuseki.

10Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika,
simba rako ishoma sei!

11Nunurai avo vari kuiswa kurufu;
dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa.
12Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?”
Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here?
Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here?
Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?

13Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka;
uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi.
14Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako;
kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro,
uye tariro yako haingaparari.

15Usavandira sezvinoita akaipa paimba yomunhu akarurama,
usaparadza paanogara;
16nokuti kunyange munhu akarurama achiwa runomwe, anosimukazve,
asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi.

17Usafara kana muvengi wako achiwa;
paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara,
18kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo
uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari.

19Usashungurudzika nokuda kwavanhu vakaipa,
kana kuchiva vakaipa,
20nokuti vanhu vakaipa havana tariro yeramagwana,
uye mwenje wavakaipa uchadzimwa.

21Itya Jehovha namambo, mwanakomana wangu,
usabatana navanopanduka,
22nokuti vaviri ivavo vanouyisa kuparadzwa kwavari nokukurumidza,
uye ndiani anoziva njodzi dzavangauyisa?

Zvimwe Zvirevo zvoMuchenjeri

23Izviwo zvirevo zvomuchenjeri:

Kuita rusaruro mukutonga hakuna kunaka:
24Ani naani anoti kune ane mhosva, “Hauna mhosva,”
marudzi achamutuka uye ndudzi dzichamushora.
25Asi zvichanakira vaya vanopa mhosva kune vane mhosva,
uye kuropafadzwa kukuru kuchauya pamusoro pavo.

26Mhinduro yechokwadi
yakafanana nokutsvoda pamiromo.

27Pedza basa rako rapanze
ugadzirire minda yako;
shure kwaizvozvo, uvake imba yako.

28Usava chapupu chinopomera muvakidzani wako pasina mhaka,
kana kushandisa miromo yako kuti unyengere.
29Usati, “Ndichamuitirawo zvaakandiitira;
ndicharipira munhu uya zvaakaita.”

30Ndakapfuura napamunda wesimbe,
ndikapfuura napamunda womuzambiringa womunhu asina njere;
31minzwa yakanga yamera pose pose,
munda wakanga wafukidzwa nesora,
uye rusvingo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.
32Ndakafungisisa zvandakanga ndacherechedza
ndikadzidza chidzidzo pane zvandakanga ndaona.
33Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira,
kumbofungatira maoko kuti ndizorore,
34ipapo urombo huchauya pauri segororo
uye kushayiwa kuchauya somunhu akashonga nhumbi dzokurwa nadzo.
Copyright information for SnaBDSC